Nyaya iyi yakaitika kuMozambique mudunhu rekuNyaukaka munzvimbo yekuMesika mudistrict reManica apo mukadzi akapa pamuviri kune mumwe mukadzi.

Zvinonzi zvakatanga pane makore maviri adarika apo mukadzi anonzi Mai Anisha akapfimba mumwe musikana akaramba. Aramba akazomanikidzwa kusvika abvuma. Vakadanana kwemakore maviri Kuzoti kwapera mwedzi yakati kuti musikana uyu akazoona ane pamuviri pemukadzi uye.

Musikana uyu akatariswa nevechikuru kwakuonekwa asina kuzara. Achinzi taura munhu akakushaisha ndokuti ndimai Anisha ndovanoziva muviri wangu.

Mai Anisha vanoti havatozvinzwisisewo zvinoitika pavari zvinongovasvikira votonzwa sevave murume vakaona musikana padhuze vanenge vakutomuda.

Ishe chirara changamire wenzvimbo yakaitika nyaya iyi vanoti ivo vakaiisawo mumaoko ehurumende. Kutaura kuno musikana uyu wave nemwana. Zvirikunzi family yemusikana uyu yaveku demander damage kunamai Anisha kuti ndivo vakakanganisa mwana wavo.

Facebook Comments