Kingstone Mapupu
MHURI igere kwaNyika, kuBikita mudunhu reMasvingo iyo yanga ichitsvaga mwanasikana wayo ane makore matanhatu ekuzvarwa yazowana mutumbi wake uri mugomba retsvina (sceptic tank) wakaiswa musaga.
Pane fungidziro yekuti mwana uyu akapondwa.
Mitchel Musharu (6) akagumisira kuonekwa achitamba nevamwe vake kuseri kwechitoro chevabereki vake panzvimbo yemabhizimisi paNyika growth point nemusi weMugovera wadarika kumasikati.

Mwana uyu anga achigara nevabereki vake mubhuku raMunyika, kwaMambo Mukanganwi.
Kubva musi uyu, vabereki vake vaingomutsvaga vachienda kumaporofita nekun’anga izvo zvisina kubatsira.

Tete hanzvadzi yababa vemwana uyu vanogara kuWaterfalls, muguta reHarare avo vasiri kuda kuburitswa zita ravo, vanotsinhira kuwanikwa kwemutumbi wemwana uyu mugomba retsvina uri musaga rakasungwa. “Mutumbi wemwana wakazowanikwa nezuro uri musceptic tank riri kuseri kwechitoro chevabereki vake kureva kuti akapondwa,” vanodaro tete ava.

Zvizere nekuda kwenyaya iyi zvichirikuuya.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa vanoti vachiri kutsvaga zvizere nekuda kwemafambiro akaita nyaya iyi. Kupondwa kwevana idambudziko rakura zvikuru muZimbabwe.

Svondo rapera, vana vechikoro vaviri vekwaBenza – Melisa naDelan – kuNyanga vakapondwa, mitumbi yavo ndokuzowanikwa yakakandwa muchimbuzi chisisashandiswe uye vose vakadamburwa mitsipa.
Vana ava vavigwa nhasi ikoko uye kune vanhu vakatosungwa nemapurisa.

Gore rapera, mumwezve mwana wechikoro, Tapiwa Makore (7) wekwaMangwende, kwaMurehwa akapondwa, mutumbi wake ndokuzonhongwa usina musoro, maoko nemakumbo. Kune vanhu vakatosungwa nekuda kwenyaya iyi.

Facebook Comments