Baba vakamitisa mwanasikan

Gibson Mhaka ari kuMBEMBESI
MURUME ane makore 49 ekuberekwa wekuMbembesi, kudunhu reMatabeleland North, ari kupomerwa mhosva yekubata chibharo mwanasikana wemudzimai wake ane makore 15 okuberekwa kudzimara abata pamuviri.

Mhosva iyi inonzi yakaparwa kubva muna2018 kusvika munaMbudzi gore rapera.
Pane imwe nguva, murume uyu – uyo watisingakwanise kuburitsa zita rake nechinangwa chekuchengetedza mwana – anonzi akambozama kubata chibharo mwanasikana uyu apo aive akurirwa nepamuviri nepaakange achangobva kusununguka.

Anonzi paaida kubata chibharo kekupedzisira, akazoregera mushure mekunge mwana uyu – uyo ainge akasonwa masitichi pakaazvara – amudemberera achiti akange achiri kunzwa marwadzo akanyanya. Dare rakaudzwa kuti pazuva risingachazivikanwa, asi muri muna2018, murume uyu – uyo aishanda pamba – akaenda muimba yekurara yaive nemwana uyu achibva amubata chibharo kamwe chete.
Zvinonzi mushure mechibharo ichi, murume uyu akatyisidzira mwana uyu achiti kana akataurira mumwe munhu nyaya iyi aizomuuraya. Asi mwana uyu akataurira muvakidzani wavo nezvechibharo ichi uyo akazoudza amai vemumhan’ari.

Amai vemwana uyu vanonzi havana kugutsikana nezvavainge vaudzwa sezvo vakaitora senyaya yemanyepo.Kubva musi uyu kusvikira munaMbudzi wegore rapera, apo mwana uyu akange akurirwa nepamuviri, murume uyu anonzi aimubata chibharo pamadiro.

Mwana uyu akashaya zvekuita sezvo murume uyu anonzi aigara achimutyisidzira uyewo nekune rimwe divi amai vake vasingagutsikane nezvaaivaudza kuti aibatwa chibharo nababa.
Mwedzi mumwe chete uyu apo mwana uyu akange akurirwa nepamuviri uye ave pedyo kunozvara, amai vake vanonzi vakashamiswa apo vakaona murume uyu achikikiritsana naye achida kumubata chibharo.Panguva iyi, murume uyu anonzi aizama kuvhara muromo wemwana uyu kuti asaridze mhere.

Mushure mekunge abatikidzwa, murume uyu anonzi akabva atyisidzira mwana uyu pamwe chete naamai vake achiti aizovauraya kana vakaudza mumwe munhu nezvenyaya iyi.
Nemusi wa31 Zvita gore rapera, amai vemwana uyu vakazoita hushingi ndokunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti murume uyu asungwe.

Akamiswa pamberi pemutongi Stephen Ndhlovu wedare reBulawayo Magistrates Courts achitarisana nemhosva yekubata chibharo mwanasikana wake. Murume uyu akanyimwa bhero uye achadzoka mudare nemusi wa23 Kubvumbi apo kutongwa kwenyaya yake kuchaenderera mberi.

Facebook Comments