Munyori weKwayedza
MUNYAYA yatichangotambira, mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) vasunga mudzimai anogara kuVictoria Falls mushure mekuwana aine masaga embanje 50 inokosha ZWL$48 100 000.00.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nezvekusungwa kwaPatricia Ncube (49) nezuro kumba kwake panhamba 6885 Mkhosana, kuVictoria Falls ndokuwana mbanje iyi.
“Matikitivha edu ange awana mashoko kubva kune vanonyevera kuti mudzimai uyu ane zvinodhaka, ndokubva vabatana nechikwata chedu chinoshanda nembwa kuenda kumba kwake. Vasunga mudzimai uyu ndokuwana masaga embanje anorema 481kgs achikosha ZWL$48 100 000.00 ayo anga ari muimba yake yekurara. Ncube anotarisirwa kupinda mudare redzimhosva munguva pfupi iri kutevera,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanotenda veruzhinji nekupa kwavari kuita mapurisa mashoko ane chekuita nevapari vemhosva vachiti vose vari kuita mabasa ekutengesa zvinodhaka vachasungwa.
Mapurisa vakatotanga chirongwa chekuvhima nekusunga vanhu vanotengesa zvinodhaka munyika izvo zvaona vachibata vapari vemhosva dzerudzi urwu vane chitsama.

Facebook Comments