Muchaneta Chimuka
NYAYA yekupondwa kwevana vaviri vemhuri imwe chete, Dilan naMelissa Benza, vose vaive nemakore manomwe ekuberekwa svondo rapera kudunhu reMambo Mutasa, kuNyanga, yokwidza makata zvichitevera kupomerwa kuri kuitwa sekuru vavo.

Vana vaviri ava, vanova musikana nemukomana, vakapondwa apo vaibva kuchikoro uko vose vaiita Giredhi 1.
Mitumbi yavo yakazowanikwa yakachekwa-chekwa uye yakakandwa muchimbuzi chisisashandiswe. Sekuru vaDilan, Solomon Manyau (48), uyo anova nhengo yeSchool Development Committee (SDC) paMbaza Primary School apo paidzidza vana ava, mumwe ari kupomerwa mhosva yekuvaponda uye akatosungwa nemapurisa.

Mapurisa akasunga zvakare Passmore Sambaza pamusoro penyaya iyi sezvo achifungidzirwa kuti ndiye akapedzisira kuonekwa aine vana ivava. Vaviri ava vaitarisirwa kupinda mudare nemusi weChitatu.
Mumwe mubereki wevana ava, Mai Melissa Benza vanoti vanorwadziwa zvikuru nekurasikirwa nevana vavo nenzira iyi.
“Chikoro chinofunda vana chiri padyo chaizvo zvekuti kunyangwe musi watavashaya, tainge tatomboendawo kumusangano wepachikoro ipapo. Asi takashamisika kuti nzira yatinoshandisa ndeimwe chete zvisinei nekuti hatina kumbosangana nevana apo vakanga vanzi vambosara mukirasi vachifundira kuverenga sevana vainetseka kuverenga apo vaigona vainge vatoendeswa kumba nechekare.

“Solomon takamufonera akataura kuti vana ainge apedzisira kufamba navo akavasiya vachinhonga tsubvu pedyo nekumba. Asi patakazofona zvekare, akasandura matauriro ava kuti ainge avasiya kuchikoro. Saka zvakativhiringawo kuti munhu mumwe chete anotaura zvinhu zvakasiyana pamubvunzo mumwe chete sei?” vanodaro.
Mai Benza vanoenderera mberi vachiti, “Murume wangu, VaDouglas Benza vachiri kufambira mapepa ekuvigwa kwevana asi hatisati taziva kuti vanovigwa rinhi sezvo nyaya ichiri kuferefetwa nemapurisa. Tinongoda bedzi kuti vapari vemhosva varangwe zvakaomarara nekuti vatirwadzisa zvakanyanya.
“Delan anga ari mwana wemukoma wemurume wangu uye vana vaviri ivava vaisasiyana.”

Veruzhinji munyika vachiri kukahadzika nendufu dzevana nenzira yekupondwa.
Izvi zvinotevera kupondwa kwakaitwa mumwe mwanakomana wekwaMurehwa, Tapiwa Makore (7) mumwedzi waGunyana gore rapera uyo mutumbi wake wakazovigwa gore rino asi usina musoro nemaoko izvo zvisati zvawanikwa.

Facebook Comments