KuPenalonga kwaMuchena hanzi magweja aita mari. Hanzi kunambuya arikurombesa magweja KuPenalonga. Hanzi unoenda wonoyamwa zamu ravo, wabva kunoyamwa zamu wouya wochera kumakomba egold mining wobva waita mari.

Zvirikunzi Mbuya vacho vane zamu rimwe saka ukatoyamwa zamu iroro zvako zvatoita. Hanzi kana wayamwa zamu unopfumbata mukanwa mako wasvika pabhandi raukuda kuchera wosvikofuridza pabhandi iroro.

 

Mari yaunotanga kubata paunochera unonopa mbuya ivavo. Paunodzoka wochera inenge yave yako vamwe varikutotenga dzimba nemota. Zvinonzi haufaniri kufumura madhiri iwawa unogona kufa. Hazvitaurwe ndezvako.

Mbuya ava kwahi mwana mudiki zvekuma 39-40 years ikoko. Kungonzi ambuya nekuda kwebasa rehun’anga iri.

Vamwewo varikuti zamu iri harisi panambuya ava asi vanokuendesa kunzvimbo yamunonoita zvamunoita. Vamwe varikunzi vakayamwa zamu rambuya ava  vaita mari, vamwewo varikunzi varikuita mari asi haina chairikushanda chinobatika. Vamwewo varikunzi varikugeza mota nenyama vamwe nedoro.

Mbuya ava varikupomerwa izvi varikuramba nyaya iyi. Vati ivo vanobatsira vanhu nekusanganisa mafuta nemushonga kwete zvekuyamwisa vanhu izvi. Vakati ivo handirombesi zvakashata

https://youtu.be/QcI93wiocPc

Facebook Comments