Dancehall artist Ricky Fire has penned down a long message, in his text he had this to say:

Respect is very important if you don’t agree with what l post click unfollow handina wandakumbira Mari kana mota kusarudza musangano wandinoda ikodzero yangu .

Chokwadi chisingaputse hukana.

Ko iwe unonditukira kuti ndatsigira vanhu vausingafarire saka ini ndovenga musangano nekuti iwewe wakamuvenga ? Saka kuita zvandinoda itori mhosva here?

Ko iwewe ndikaita zvaunoda iwewe zvangu zvandinoda ndichaita rinhi?

Kana wafunga kundiudzira zvekuita tanga wauya kuzonditengera food obhadhara ma bill ochengeta mhuri yangu. Kana usingakwanise kuita izvozvo siyana neni uite zvako kumba kwako.

Hapana akambouya kumba kwangu akaona kuti ndadyei, ndukurarama sei, ndabhadhara here ma bills kana kuti vana vangu vadyei.

Arikutoshandiswa na Satan ndiwe urikuvenga kana kutuka ini ndisina chandakutadzira . Kana Mwari chaiye akapa munhu wese freedom of choice saka ita zvaunoda ini ndiite zvandinoda.

I’m a family man and my family comes first saka handimbofa ndakaisa iwewe before my family izvozvo hazvife zvakaitika.

Kana usingade kundi supporter rega hauna kumanikidzwa plus handidye ma likes ne sando dzepa social media reality irimumba mangu kana mhuri yangu yatarisa.
To set the record straight ndiri mwana wemusangano ndakazvarirwa MUMUSANGANO.

ZANU PF Huchi ed delivers 2030 musangano wakasimba zvekuti heki .

Facebook Comments